1Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; 2Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. 3Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera 4“Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ” 5Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.” 6Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera 7Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”