1Rumbidzai Jehovha. Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza, zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza! 2Jehovha anovaka Jerusarema; anounganidza vakadzingwa vaIsraeri. 3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika, uye anosunga maronda avo. 4Anotara kuwanda kwenyeredzi, anodana imwe neimwe nezita rayo. 5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru; kunzwisisa kwake hakuperi. 6Jehovha anotsigira vanozvininipisa, asi anowisira pasi vakaipa. 7Imbirai Jehovha nokuvonga; muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira. 8Anofukidza denga namakore; anopa nyika mvura, uye anomeresa uswa pazvikomo. 9Anopa mombe zvokudya navana vamakunguo pavanochema. 10Mufaro wake hausi musimba rebhiza, uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu; 11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi. 12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema; rumbidza Mwari wako, iwe Zioni, 13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako, uye anoropafadza vanhu vako vari mauri. 14Anopa rugare pamiganhu yako, uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka. 15Anotuma murayiro wake kunyika; shoko rake rinomhanya kwazvo. 16Anowarira chando samakushe amakwai, uye anoparadzira chando samadota. 17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu. Ndianiko angamira kana chando chake charova? 18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa; anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera. 19Akazarurira Jakobho shoko rake, mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri. 20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi; havazivi mirayiro yake. Rumbidzai Jehovha.