1Rumbidzai Jehovha. Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose, padare ravakarurama nepagungano. 2Mabasa aJehovha makuru; anorangarirwa navose vanofara maari. 3Mabasa ake ndeokukudzwa noumambo, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi. 4Akaita kuti zvishamiso zvake zvirangarirwe; Jehovha ane nyasha nengoni. 5Anopa zvokudya kuna avo vanomutya; anorangarira sungano yake nokusingaperi. 6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, achivapa nyika dzedzimwe ndudzi. 7Mabasa amaoko ake akatendeka uye akarurama, mitemo yake yose yakavimbika. 8Yakasimba kusvika nokusingaperi-peri, yakaitwa mukutendeka nokururama. 9Akapa dzikinuro kuvanhu vake; akasimbisa sungano yake nokusingaperi, zita rake idzvene uye rinotyisa. 10Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.