MAPISAREMA 113

Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, rumbidzai zita raJehovha. Zita raJehovha ngarirumbidzwe, kubva zvino kusvikira narini. Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro, zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. Jehovha anosimudzirwa pamusoro pendudzi dzose; kubwinya kwake kuri pamusoro pamatenga. Ndianiko akaita saJehovha Mwari wedu, iye anogara pachigaro choushe chokumusoro-soro, anokotamira pasi kuti aone zviri kudenga napanyika? Anosimudza murombo kubva muguruva, uye anosimudza vanoshayiwa kubva padurunhuru ramadota; anovagadza namachinda, namachinda avanhu vavo. Anogarisa mukadzi asingabereki mumba make, samai vavana vanofara. Rumbidzai Jehovha.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。