MAPISAREMA 1

Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。