MAPISAREMA 120

Ndinodana kuna Jehovha mukutambudzika kwangu, uye anondipindura. Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema, nendimi dzinonyengera. Achaiteiko kwauri, uye chimwe chiiko kunze kwezvizvi, iwe rurimi runonyengera? Achakuranga nemiseve yakapinza yemhare, namazimbe anopfuta omuti womurara. Ndine nhamo ini ndinogara muMesheki, kuti ndinogara pakati pamatende eKedhari! Ndakagara nguva refu pakati pavanovenga rugare. Ndiri munhu worugare; asi pandinotaura, ivo ndevehondo.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。