1Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? 2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. 3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; 4zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. 5Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; 6zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. 7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; 8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.