MAPISAREMA 43

Ndiruramisirei, imi Mwari, uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari; ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa. Ndimi Mwari nhare yangu. Mandirambireiko? Ndinofambireiko pose ndichichema ndichidzvinyirirwa navavengi? Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu, ngazvinditungamirire; ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene, kunzvimbo yamunogara. Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari, kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu. Ndichakurumbidzai nembira, imi Mwari, Mwari wangu. Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。