MAPISAREMA 53

Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka. Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here, vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa, uye vasingadani kuna Mwari? Havo, vakazadzwa nokutya, ipo pasina chavangatya. Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa; makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza. Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni; Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake; Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。