MAPISAREMA 87

Akateya nheyo dzake pagomo dzvene; Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho. Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, ‘Uyu akaberekerwa muZioni.’ ” Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.” Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Prenumerera på vårt nyhetsbrev

Håll dig uppdaterad om nya profiler, evenemang och plattformsnyheter.