1Danidzirai nomufaro kuna Jehovha, imi nyika dzose. 2Shumirai Jehovha nomufaro; uyai pamberi pake nenziyo dzomufaro. 3Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari. Ndiye akatisika, uye tiri vake; tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye. 4Pindai pamasuo ake nokuvonga nomuvanze dzake nokurumbidza; chimuvongai uye murumbidze zita rake. 5Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi; kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.