MAPISAREMA 126

Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota. Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.” Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro. Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha, sehova dzeNegevhi. Avo vanodyara nemisodzi vachakohwa nenziyo dzomufaro. Uyo anobuda achichema, akatakura mbeu yokudyara, achadzoka nenziyo dzomufaro, akatakura zvisote.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。