MAPISAREMA 61

Inzwai kuchema kwangu, imi Mwari; rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu. Kubva kumigumo yenyika, ndinodanidzira kwamuri, ndinodana sezvo mwoyo wangu woziya; nditungamirirei kudombo rakakwirira kundipfuura. Nokuti imi makanga muri utiziro hwangu, shongwe yakasimba pamusoro pavavengi vangu. Ndinopanga kugara mutende renyu nokusingaperi, uye nokuvanda mumumvuri wamapapiro enyu. Sera Nokuti makanzwa mhiko dzangu, imi Mwari; makandipa nhaka yaavo vanotya zita renyu. Wedzerai mazuva oupenyu hwamambo, makore ake kumarudzi namarudzi. Ngaagare pachigaro choushe pamberi paMwari nokusingaperi; gadzai rudo nokutendeka kwenyu kuti zvimudzivirire. Ipapo ndichagara ndichirumbidza zita renyu nenziyo, uye ndichazadzisa mhiko dzangu zuva nezuva.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。