MAPISAREMA 138

Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichaimba nziyo dzokukurumbidzai pamberi pa“vamwari.” Ndichakotamira pasi ndakatarisa kutemberi yenyu tsvene, uye ndicharumbidza zita renyu nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu, nokuti makakudza zita renyu neshoko renyu pamusoro pezvinhu zvose. Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba. Madzimambo ose enyika ngaakurumbidzei, imi Jehovha, pavanonzwa mashoko omuromo wenyu. Ngavaimbe pamusoro penzira dzaJehovha, nokuti kubwinya kwaJehovha kukuru. Kunyange Jehovha ari kumusoro, anoona vanozvininipisa, asi vanozvikudza anovaziva vari kure. Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi. Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni; rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi, musasiya mabasa amaoko enyu.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

订阅我们的新闻通讯

及时了解新的资料页、活动与平台更新。