MAPISAREMA 121

Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko? Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke, muchengeti wako haangakotsiri; zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri haangakotsiri kana kuvata. Jehovha anokurinda, Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi; zuva haringakubayi masikati, kana mwedzi usiku. Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza, iye acharinda upenyu hwako; Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako, kubva zvino uye nokusingaperi.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Misoratra ao amin'ny gazety anay

Mahafantara hatrany ny mombamomba vaovao, ny hetsika ary ny fanavaozana ny sehatra.