1Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera 2kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. 3Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 4Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera 5Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. 6Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. 7Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.