1Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene. 2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru. 3Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro. 4Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa, 5vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya. 6Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka. 7Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva. 8Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera 9Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi. 10Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama. 11Gomo reZioni rinofarisisa, misha yeJudha inofara nokuda kwokutonga kwenyu. 12Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro, 13fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera. 14Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.