MAPISAREMA 130

Ndinodanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika; haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni. Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira? Asi kwamuri kune kukanganwira; naizvozvo imi munotyiwa. Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake. Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani. Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere. Iye pachake achadzikinura Israeri kubva pazvivi zvavo zvose.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

ニュースレターを購読する

新しいプロフィール、催し、プラットフォームの更新情報をお届けします。