1Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba. 2Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake. 3Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji. 4Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa. 5Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni. 6Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati. 7Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni. 8Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi. 9Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!” 10Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi. 11Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.