1Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba? Unozvikudzirei zuva rose, iyewe unonyadzisa pamberi paMwari? 2Rurimi rwako runofarira zvokuparadza; rwakaita sechisvo chakarodzwa, iyewe unogara uchingonyengera. 3Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka, kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera 4Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera! 5Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera 6Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti, 7“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!” 8Asi ini ndakaita somuti womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari; ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari, nokusingaperi-peri. 9Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita; ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka. Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.