MAPISAREMA 6

Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva? Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

ニュースレターを購読する

新しいプロフィール、催し、プラットフォームの更新情報をお届けします。