1Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, 2dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu, 3apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; 4mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, 5mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. 6Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. 7Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. 8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.