1Jehovha anobata ushe, akashongedzwa noumambo; Jehovha akashongedzwa noumambo uye akafukidzwa nesimba. Nyika yakateyiwa zvakasimba; haingazungunuswi. 2Chigaro chenyu choushe chakasimbiswa kare kare; imi muripo nokusingaperi. 3Haiwa Jehovha, makungwa akasimudza, makungwa akasimudza manzwi awo; makungwa akasimudza mafungu anotinhira. 4Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji, mukuru kukunda mafungu egungwa, Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru. 5Zvamakatema hazvishanduki; utsvene hunofukidza imba yenyu imi Jehovha, kwamazuva asingaperi.