MAPISAREMA 67

Mwari ngaatinzwire tsitsi atiropafadze, uye apenyese chiso chake pamusoro pedu, Sera kuti nzira dzenyu dzizivikanwe panyika, ruponeso rwenyu pakati pendudzi dzose. Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ndudzi ngadzifare uye dziimbe nomufaro, nokuti munotonga marudzi nokururamisira, uye munotungamirira ndudzi dzenyika. Sera Marudzi ngaakurumbidzei, imi Mwari; marudzi ose ngaakurumbidzei. Ipapo nyika ichabereka mukohwo wayo, uye Mwari, Mwari wedu, achatiropafadza. Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Suscribirse a nuestro boletín

Manténgase al día de los nuevos perfiles, eventos y novedades de la plataforma.