1Mweya wangu unozorora muna Mwari oga; ruponeso rwangu runobva kwaari. 2Iye oga ndiye dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingambozungunuswi. 3Muchasvika kupiko muchingorova munhu? Ko, imi mose muchamukanda pasi here, iyeyu rusvingo rwakarereka, noruzhowa rwuri kuwa? 4Vanofunga kwazvo zvokumuwisira pasi kubva panzvimbo yake yakakwirira; vanofarira nhema. Vanoropafadza nemiromo yavo, Asi vachituka mumwoyo yavo. Sera 5Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari. 6Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi. 7Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari; ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu. 8Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu; dururai mwoyo yenyu kwaari, nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera 9Vanhu vasina maturo vanongova mweya zvawo, asi vanokudzwa inhema bedzi; kana vakayerwa havaremi, havasi chinhu; vose pamwe chete vanongova mweya. 10Regai kuvimba noupambi kana kuzvikudza nezvinhu zvokuba; kunyange pfuma yenyu ichiwanda, regai kuisa mwoyo yenyu pairi. 11Chinhu chimwe chakataurwa naMwari, zvinhu zviviri zvandakanzwa: Kuti imi, iyemi Mwari, mune simba, 12uye kuti imi, iyemi Ishe, mune rudo. Zvirokwazvo muchapa mubayiro kumunhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.