MAPISAREMA 124

Israeri ngaati dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu, dai Jehovha akanga asiri kurutivi kwedu patakarwiswa navanhu, apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu; mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura, mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure. Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo. Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka. Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

뉴스레터 구독

새로운 프로필과 행사, 플랫폼 소식을 받아 보세요.