MAPISAREMA 128

Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema, uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

뉴스레터 구독

새로운 프로필과 행사, 플랫폼 소식을 받아 보세요.