1Kurumidzai kundiponesa, imi Mwari; Haiwa Jehovha kurumidzai kuuya mundibatsire. 2Vanotsvaka upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vakanganiswe; vose vanofarira kuparara kwangu ngavadzorwe shure vanyare. 3Vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavadzorerwe shure nokuda kwenyadzi dzavo. 4Asi vose vanokutsvakai ngavafare nokufarisisa mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavagare vachiti, “Mwari ngaakudzwe!” 5Asi ndiri murombo nomushayiwi; uyai nokukurumidza kwandiri, imi Mwari. Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Haiwa Jehovha, musanonoka.