MAPISAREMA 149

Rumbidzai Jehovha. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake paungano yavatsvene. Israeri ngavafarire Muiti wavo; vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo. Ngavarumbidze zita rake vachitamba, uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira. Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso. Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake, uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo. Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo, nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo, kuti vatsive pamusoro pendudzi, uye varange marudzi avanhu, vasunge madzimambo avo nengetani, namakurukota avo nezvisungo zvamatare, kuti vaite zvavakatongwa nazvo, zvakanyorwa pamusoro pavo. Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose. Rumbidzai Jehovha.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

뉴스레터 구독

새로운 프로필과 행사, 플랫폼 소식을 받아 보세요.