1Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake. 2Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako. 3Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako. 4Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha. 5Jehovha ngaakuropafadzei kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; muone henyu kubudirira kweJerusarema, 6uye murarame kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.