MAPISAREMA 54

Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu. Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu. Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira. Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu. Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka. Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

뉴스레터 구독

새로운 프로필과 행사, 플랫폼 소식을 받아 보세요.