1Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu. 2Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare. 3Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete. 4Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose. 5Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi. 6Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose. 7Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura. 8Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari. 9Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa. 10Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka. 11Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha. 12Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda, 13dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema. 14Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere. 15Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo; 16chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika. 17Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose. 18Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya. 19Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose; 20anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika. 21Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva. 22Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.