1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 2Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera 3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 5Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 6Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. 7Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. 8Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera