MAPISAREMA 82

Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’ Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.” Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Misoratra ao amin'ny gazety anay

Mahafantara hatrany ny mombamomba vaovao, ny hetsika ary ny fanavaozana ny sehatra.