1Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti, 2“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera 3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa. 4Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa. 5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa. 6“Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’ 7Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.” 8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.