MAPISAREMA 101

Ndichaimba nezvorudo rwenyu nokururamisira kwenyu; kwamuri, imi Jehovha, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Ndichangwarira kurarama upenyu husina chahungapomerwa. Muchauya riniko kwandiri? Ndichafamba mumba mangu nomwoyo usina chaungapomerwa. Handingaisi chinhu chakaipa pamberi pangu. Ndinovenga mabasa avanhu vasingatendi; haanganamatiri kwandiri. Vanhu vane mwoyo yakatsauka vachava kure neni; handichazovi nechokuita nechakaipa. Ani naani anoitira muvakidzani wake makuhwa pakavanda, iyeye ndiye wandichaita kuti anyarare; ani naani ane meso anozvikudza nomwoyo unozvikudza, iyeye handingamuregi akadaro. Meso angu achava pamusoro pavakatendeka vari munyika, kuti vagare neni; iye ane mafambiro asina chaangapomerwa, achandishumira. Hakuna munhu anonyengera achagara mumba mangu; hakuna munhu anotaura nhema achamira pamberi pangu. Mangwanani oga oga ndichaita kuti vakaipa vose vari panyika vanyarare; ndichauraya vaiti vezvakaipa vose, vabve muguta raJehovha.

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Misoratra ao amin'ny gazety anay

Mahafantara hatrany ny mombamomba vaovao, ny hetsika ary ny fanavaozana ny sehatra.