1Haiwa Jehovha, musandirayira mukutsamwa kwenyu kana kundiranga muhasha dzenyu. 2Nokuti miseve yenyu yandibaya, uye ruoko rwenyu rwawira pamusoro pangu. 3Mumuviri mangu hamuchina utano nokuda kwehasha dzenyu; mapfupa angu apera simba nokuda kwechivi changu. 4Mhosva yangu yandiremera somutoro unorema kwazvo kuutakura. 5Maronda angu aora uye anosemesa nokuda kwoupenzi hwokutadza kwangu. 6Ndakotamiswa uye ndaderedzwa kwazvo; ndinofamba ndichichema zuva rose. 7Musana wangu wazara nokupisa kunorwadza; muviri wangu hauchina utano. 8Ndarukutika uye ndapwanyika chose; ndiri kugomera nokurwadza kwomwoyo. 9Haiwa Ishe, zvose zvandinoshuva zviri pachena pamberi penyu, kugomera kwangu hakuna kuvanzika kwamuri. 10Hana yangu inorova, simba rangu rapera; kunyange nechiedza chabva pameso angu. 11Shamwari dzangu navafambidzani vondinzvenga nokuda kwamaronda angu; vavakidzani vangu vanogara kure neni. 12Avo vanotsvaka kundiuraya vanonditeya nemisungo yavo, avo vanoda kundikuvadza vanotaura nezvokuparadzwa kwangu; zuva rose vanorangana zvounyengeri. 13Ini ndafanana nematsi, isinganzwi, sembeveve, isingagoni kushamisa muromo wayo; 14ndava somunhu asinganzwi, ano muromo usingapinduri. 15Haiwa Jehovha, ndakakumirirai; muchapindura, imi Ishe Mwari wangu. 16Nokuti ndakati, “Musavarega vachifarira kutambudzika kwangu kana kuzvisimudzira pamusoro pangu, rutsoka rwangu parunotedzemuka.” 17Nokuti ndava pedyo nokuwa, uye kurwadziwa kwangu kunogara neni. 18Ndinoreurura chivi changu; chivi changu chinonditambudza. 19Vavengi vangu vane simba vazhinji; vanondivenga ndisina mhosva vakawanda. 20Ivavo vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, vanondireva pandinotevera zvakanaka. 21Haiwa Jehovha, regai kundisiya; regai kuva kure neni, imi Mwari wangu. 22Haiwa Ishe Muponesi wangu, kurumidzai kuuya kuzondibatsira.