MAPISAREMA 129

Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati, “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda. Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.” Asi Jehovha akarurama, akandisunungura pamabote avakaipa. Vose vanovenga Zioni ngavadzorerwe shure nenyadzi. Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura; mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake. Vanopfuura nepo ngavarege kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Subscribe to our newsletter

Stay updated with new profiles, events, and platform updates.