Jobho 25

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: “Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari; uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga. Mauto ake angaverengwa here? Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake? Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari? Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei? Kunyange dai mwedzi ukasachena, uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake, ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro, iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

뉴스레터 구독

새로운 프로필과 행사, 플랫폼 소식을 받아 보세요.