1Ipapo Jobho akapindura akati: 2“Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! 3Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? 4Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. 5Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. 6“Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. 7Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. 8Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. 9Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. 10Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. 11Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. 12Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; 13vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. 14Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. 15“Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. 16Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; 17asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. 18“Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! 19Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. 20Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; 21anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake. 22“Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.