Isaya 12

Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza. Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.” Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso. Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe. Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose. Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”

Bhaibheri (chiShona)

copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc — CC-BY-SA-4.0 — CC-BY-SA-4.0

Unseren Newsletter abonnieren

Bleiben Sie über neue Profile, Veranstaltungen und Plattform-Updates informiert.